Romans 6

Kufa kuzvivi neupenyu utsva muna Kristu

1Zvino tichatii? Ticharambira muchivi kuti nyasha dziwande here? 2Ngazvisadaro! Isu takafa kuchivi, ticharamba tichirarama sei machiri? 3Kana hamuzivi here kuti isu tese takabhabhatidzwa muna Kristu Jesu, takabhabhatidzwa murufu rwake? 4Naizvozvo takavigwa pamwe naye murufu nerubhabhatidzo; kuti sezvo Kristu akamutswa kubva kuvakafa nekubwinya kwaBaba, saizvozvo isuwo tifambe pautsva hweupenyu. 5Nokuti kana takadzvarwa pamwe pakufanana kwerufu rwake, asi tichadarowo pakumuka kwake; 6tichiziva izvi, kuti munhu wedu wekare wakarovererwa pamwe naye, kuti muviri wechivi uparadzwe, kuti isu tisachishumira chivi; 7nokuti uyo wakafa wakasunungurwa pachivi. 8Zvino kana takafa pamwe naKristu, tinotenda kuti tichararamawo pamwe naye; 9tichiziva kuti Kristu amutswa kubva kuvakafa haafizve; rufu haruchina simba pamusoro pake. 10Nokuti pakuti wakafa, wakafa kamwe kuchivi; zvino pakuti anorarama, anorarama kuna Mwari. 11Saizvozvo nemwi zviverengei semakafa zvirokwazvo kuchivi, asi munorarama kuna Mwari naKristu Jesu Ishe wedu. 12Naizvozvo chivi ngachirege kutonga mumuviri wenyu unofa, kuti muchiteerere kuchiva kwacho; 13uye musapa mitezo yenyu ive midziyo yekusarurama kuchivi; asi muzvipe imwi kuna Mwari sevapenyu kubva kuvakafa, nemitezo yenyu ive midziyo yekururama kuna Mwari. 14Nokuti chivi hachizotongi pamusoro penyu; nokuti hamusi pasi pemurairo, asi pasi penyasha. 15Ko zvino? Tichatadza here, nokuti hatisi pasi pemurairo, asi pasi penyasha? Ngazvisadaro! 16Hamuzivi here kuti uyo wamunozvipa kwaari muve varanda vekumuteerera, muri varanda vaiye wamunoteerera; kana vechivi chinoisa kurufu, kana vekuteerera kunoisa kukururama? 17Asi Mwari ngaavongwe, kuti maiva varanda vechivi, asi mava kuteerera kubva pamoyo muenzaniso wedzidziso wamakakumikidzwa kwauri; 18uye masunungurwa kubva pachivi, makaitwa varanda vekururama. 19Ndinotaura nenzira yevanhu nekuda kweutera hwenyama yenyu; nokuti sezvamakapa mitezo yenyu kuva varanda kutsvina neuipi zvinoisa kune zvakaipa, saizvozvo ikozvino ipai mitezo yenyu kuva varanda vekururama kunoisa kuutsvene. 20Nokuti pamaiva varanda vechivi, makange makasununguka pakururama. 21Naizvozvo maiva nechibereko chei panguva iyo pazvinhu izvo zvamava kunyadziswa nazvo ikozvino? Nokuti mugumo wezvinhu izvo rufu. 22Asi ikozvino zvamakasunungurwa pachivi, mukaitwa varanda kuna Mwari, mune chibereko chenyu chinoisa kuutsvene, uye mugumo upenyu husingaperi. 23Nokuti mubairo wechivi rufu, asi chipo chenyasha chaMwari upenyu husingaperi muna Kristu Jesu Ishe wedu.

Copyright information for Shona